- C
- T
Muchutsi wezuva nechiutsi chedundu,
Pakatikati peCopa Cabana pane mhare,
Akabata mugoti sepfumo rehondo,
Achikurungira ramangwana revana vake.
Ziya rinoerera riri rudo ruzere,
Hari inofashaira chiratidzo chesimba,
Sadza jena rakachena semoyo wake,
Kuti mhuri idye, iye achitsva
Hama, usamuzvidze nebasa rake remaoko,
Mugoti uyu ndiyo nhovo yake netsvimbo,
Ari kuseva nhamo nemuto wekushinga,
Kuti mangwana vana vake vaburitswe mumadhaka.




